May 02, 2006

Ndangariro

Nhai veduwee, mwana uyu agoita seiko nhasi? Zvandamutuma mangwanani-ngwanani kuti aende kunotsvaga shuga nanhasi haasati adzoka. Asi kuti ayishaya? Asika nezuro uno ndakaona Mai Chenai vakatakura shuga vachiti vaiwana ku Food Chain.Zvino achiripi zuva zvarasimuka kudai? Handiti dai kari kare tavekutoti tobika kudya kwemasikati? Ndizvoo hazvo nekuti tikati nonokei kudya tinozokwanisa kuswera tisina nzara yakawanda zvekuti patinozobika zvemanheru tinenge tisati toziya nayo.

Ndiriniwo ndanga ndati nhasiwo timbonwawo tea yatanga tadai kusuwa sezvo Baba Nhamo vanga vauya nechingwa nezuro. Iyi ndiyo inonzi nhamo iyi. Ini chaiye ndaimbofunga kuti nerimwe zuva ndichagara pamusika ndichitengesa madomasi ini! Uye upenyu hwakadai handaimbofungira kuti ndiwo uchazova upenyu hwevana vangu. Zviya zvinonzi nhamo haibve pane imweka, ichokwadi. Tambudzai mazuva aya akanga ati oendawo bhiriteni kuri kungoenda vamwe, handiti nhasi uno tingadai tiri pari nani? Asi zviripi, kana wakanzi uri wenhamo, ungori wenhamo, iye ega ega pane vaakaenda navo ndiye akadzoswa asina kana kumboritsika ivhu remhiri.

Zvino hameno zvandakanzwa kuti hurumende yakawedzera manesi mari, ndichatomuti atibatsire kubhadhara school fees yaTichaona. Tingazviite sei iye mazuva ano netsunami yakadai kurova iyi kumusika tinongogaro vhurumutswa nemapurisa zuva nezuva. Avawo Baba Nhamo, kubvira mazuva aya aurayiwa shamwari yavo yavaitengesa nayo marands havana kuzomboda kuita zveforex. Zvino kamari kekubasa hakasi kamari kekuti tingati tinorarama.

Tumacottage twedu twakarohwawo netsunami nditwo twungadai twobatsira. Zvino yedu nhamo ndeye fodya yechimonera, uku yakarumwa, uku iri kutsva chimoto. Dai ndaziva ndati kana ashaya pamhiri apo atarise kwa Mai Tinarwo. Murume wavo anenge anoshandako kushuga saka vanogara vainayo yekutengesa. Kungoti kudhura kani Mai Tinarwo! Vanotobva vada kupfuma nepakiti imwechete yeshuga. Asi kana yairamba kukwana taizongokwereta tozodzorera panotambira ivava ava twumari twavo.

Zvino ndogoziva kuti aenda nekupi manje? Ndosaka ndaiiti zviri nani nditange kuenda kujobheki sezvandaiita kare. Tingatadze hedu kupfuma asi grocery tinenge tiinaro. Handiti ava vana Mai Tendai vanotoita zvekutengesa mafuta neshuga yavanobva nayo ikoko. Chete zvaana Mai Tendai zviri kwazvo zvega nekuti vana vavo vaviri vese vari kuLondon saka nyangwe vaida zvavo kusaita zve cross border havaizombofa nenzara. Ndakanzwa kuti mwana wavo ari kuvakisa zimba rakakura chaizvo kuWaterfalls. Handiti iyo yavo imba ndivo vana vacho vakaiwedzeresa.

Zvemwana uyu zvava kutondishupa ini. Mazuva ano nemagetsi anongoenda pese pese tinototika tibike achiripo kudai, akaenda tisati tabika huni dzacho dzinozobvepi? Hakusi kareka kwataibika ne mastove eparaffin, unoyiwanepi paraffin mukore uno. Dai ndatoziva kuti achaswero mbeya achitsvaga shuga ndatomuti apfuure achibhadhara mvura. Ndakanzwa kuti kanzuru yakakwidza mvura mwedzi uno hameno kuti paunoperera mwedzi tinenge timire papi.

Dai ndatofanzisa muriwo uya usati wanyanya kusvava, nekuwanda kwawo tinoto fusha tikawana chekudyisa sadza. Iro nhasi sadza racho rinodyiwa nei? Ini regai hangu ndimwe isina shuga ndione kunoronga musika kuda nhasi ndingambonhongerwa nhongerwa.

Tags: , ,
Posted by manulite at 18:20:48 | Permanent Link | Comments (2) |

April 03, 2005

Marimuka

Nekuoma kwaita zvinhu muZimbabwe mazuva ano, hapana kana mumwechete waunoona muguta reHarare asina hama yakaenda marimuka. Ndisinganyanyi zvangu kutaura zvizhinji nezvakakonzera njere dzose dzipararire nepasi rose, ndiri kuda kungotaura zvishoma nemagariro arikuita vanhu, muno muZimbabwe, nemhiri.

Ndiani asingazive kuti dzimba zhinji muno muZimbabwe dziri kurarama nemapounds atiri kuchinja pablack market. Vangani muno muZimbabwe vakamboedza kutsvaga mavisa kuti vaendewo kwakaenda vamwe? Dzimba dzekuProspect uko nekuWaterfalls nyangwe kuma dale dale uko ndiani asingazive kuri kubva mari yekudzitenga. Kana usina wako ari marimuka ndiwe wega.

Pane karumbo ka Oliver Mutukudzi kanonzi Izere Mhepo. Ndakakateerera ndikanyora mazwi acho pasi, pane paanoti:
Ari marimuka uye opfondoka,
Hakuna achaziva marimuka idikita,
Ndangariro dzeari marimuka, dura rangu razara.
Vasara sure sare, pura nemusana.
Nyaya huru iripo ndeyekuti, ehe mari tiri kuchinja uye dzimba tiri kutenga asiwo hama dzedu mhiri uko dziri kushanda zvakasimba. Zvinorwadza ndezvekuti nemafundiro akaita vazhinji, hapana aifanirwa kufondoka mapfondokero avari kuita kuti vawane cheuviri. Vazhinji vangadai vari muno tichigocha kwamereki tese, tichiti kana rave zororo tichienda Kariba tese. Asi nezvazviri munyika chero pawafamba munhu wese anongoti "better ndiende kunoita rese rese."

Vazhinji varikuno vanoona serugare kuve mhiri, kunyika isi yako. Pamwe runotove rugare nekutiwo kuno vanhu vari kutambura. Asiwo zvakadaro, ndiani asingadi kudzoka kumba? Ndiani angarambe kuuya kurikunzi zvinhu zvachinja? Ndiani asingasuwe kumba. Ndosaka ndichinzwirana nehama dzedu mhiri, kuti nerimwe zuva, muchadzoka tikave tose nerufaro.

ndini manulite
Posted by manulite at 16:33:05 | Permanent Link | Comments (6) |

January 17, 2005

hazvisi nyore

problem yandinayo ndeyekuti handina nguva yekuti i can log on to blogger.com ndozoita login kuno futi kuti ndiite submission yangu. at least ku blogger.com ndinongonyora email then zvongopedzerana nemuezuru.

but anyway, hazvina basa, panenge ndangowana chance i'll update this. nhasi ndanga ndichimbo browser mamwe masites angori a bit different. only kungoti, there's nothing really different, kungoti i've never been there and kuti you meet new faces.

next time ndiri kuda kunyora ma reviews emasites andinosangana nemazimbo sitereki.

ndichiri manulite
Posted by manulite at 20:06:25 | Permanent Link | Comments (0) |

December 21, 2004

Ndichiri kutanga

Ndine rimwe blog riri ku manulite.blogspot.com, rino nderekuti nyaya dzose dziri ikoko dzive pano nemutauro wangu chaiwo. Ndaneta nekungoona madandenzvimbo echirungu saka rino blog ndere shona.
ndinonzi manulite.
Posted by manulite at 14:59:03 | Permanent Link | Comments (0) |