Marimuka
Nekuoma kwaita zvinhu muZimbabwe mazuva ano, hapana kana mumwechete waunoona muguta reHarare asina hama yakaenda marimuka. Ndisinganyanyi zvangu kutaura zvizhinji nezvakakonzera njere dzose dzipararire nepasi rose, ndiri kuda kungotaura zvishoma nemagariro arikuita vanhu, muno muZimbabwe, nemhiri.
Ndiani asingazive kuti dzimba zhinji muno muZimbabwe dziri kurarama nemapounds atiri kuchinja pablack market. Vangani muno muZimbabwe vakamboedza kutsvaga mavisa kuti vaendewo kwakaenda vamwe? Dzimba dzekuProspect uko nekuWaterfalls nyangwe kuma dale dale uko ndiani asingazive kuri kubva mari yekudzitenga. Kana usina wako ari marimuka ndiwe wega.
Pane karumbo ka Oliver Mutukudzi kanonzi Izere Mhepo. Ndakakateerera ndikanyora mazwi acho pasi, pane paanoti:
Vazhinji varikuno vanoona serugare kuve mhiri, kunyika isi yako. Pamwe runotove rugare nekutiwo kuno vanhu vari kutambura. Asiwo zvakadaro, ndiani asingadi kudzoka kumba? Ndiani angarambe kuuya kurikunzi zvinhu zvachinja? Ndiani asingasuwe kumba. Ndosaka ndichinzwirana nehama dzedu mhiri, kuti nerimwe zuva, muchadzoka tikave tose nerufaro.
ndini manulite

Ari marimuka uye opfondoka,Nyaya huru iripo ndeyekuti, ehe mari tiri kuchinja uye dzimba tiri kutenga asiwo hama dzedu mhiri uko dziri kushanda zvakasimba. Zvinorwadza ndezvekuti nemafundiro akaita vazhinji, hapana aifanirwa kufondoka mapfondokero avari kuita kuti vawane cheuviri. Vazhinji vangadai vari muno tichigocha kwamereki tese, tichiti kana rave zororo tichienda Kariba tese. Asi nezvazviri munyika chero pawafamba munhu wese anongoti "better ndiende kunoita rese rese."
Hakuna achaziva marimuka idikita,
Ndangariro dzeari marimuka, dura rangu razara.
Vasara sure sare, pura nemusana.