May 02, 2006

Ndangariro

Nhai veduwee, mwana uyu agoita seiko nhasi? Zvandamutuma mangwanani-ngwanani kuti aende kunotsvaga shuga nanhasi haasati adzoka. Asi kuti ayishaya? Asika nezuro uno ndakaona Mai Chenai vakatakura shuga vachiti vaiwana ku Food Chain.Zvino achiripi zuva zvarasimuka kudai? Handiti dai kari kare tavekutoti tobika kudya kwemasikati? Ndizvoo hazvo nekuti tikati nonokei kudya tinozokwanisa kuswera tisina nzara yakawanda zvekuti patinozobika zvemanheru tinenge tisati toziya nayo.

Ndiriniwo ndanga ndati nhasiwo timbonwawo tea yatanga tadai kusuwa sezvo Baba Nhamo vanga vauya nechingwa nezuro. Iyi ndiyo inonzi nhamo iyi. Ini chaiye ndaimbofunga kuti nerimwe zuva ndichagara pamusika ndichitengesa madomasi ini! Uye upenyu hwakadai handaimbofungira kuti ndiwo uchazova upenyu hwevana vangu. Zviya zvinonzi nhamo haibve pane imweka, ichokwadi. Tambudzai mazuva aya akanga ati oendawo bhiriteni kuri kungoenda vamwe, handiti nhasi uno tingadai tiri pari nani? Asi zviripi, kana wakanzi uri wenhamo, ungori wenhamo, iye ega ega pane vaakaenda navo ndiye akadzoswa asina kana kumboritsika ivhu remhiri.

Zvino hameno zvandakanzwa kuti hurumende yakawedzera manesi mari, ndichatomuti atibatsire kubhadhara school fees yaTichaona. Tingazviite sei iye mazuva ano netsunami yakadai kurova iyi kumusika tinongogaro vhurumutswa nemapurisa zuva nezuva. Avawo Baba Nhamo, kubvira mazuva aya aurayiwa shamwari yavo yavaitengesa nayo marands havana kuzomboda kuita zveforex. Zvino kamari kekubasa hakasi kamari kekuti tingati tinorarama.

Tumacottage twedu twakarohwawo netsunami nditwo twungadai twobatsira. Zvino yedu nhamo ndeye fodya yechimonera, uku yakarumwa, uku iri kutsva chimoto. Dai ndaziva ndati kana ashaya pamhiri apo atarise kwa Mai Tinarwo. Murume wavo anenge anoshandako kushuga saka vanogara vainayo yekutengesa. Kungoti kudhura kani Mai Tinarwo! Vanotobva vada kupfuma nepakiti imwechete yeshuga. Asi kana yairamba kukwana taizongokwereta tozodzorera panotambira ivava ava twumari twavo.

Zvino ndogoziva kuti aenda nekupi manje? Ndosaka ndaiiti zviri nani nditange kuenda kujobheki sezvandaiita kare. Tingatadze hedu kupfuma asi grocery tinenge tiinaro. Handiti ava vana Mai Tendai vanotoita zvekutengesa mafuta neshuga yavanobva nayo ikoko. Chete zvaana Mai Tendai zviri kwazvo zvega nekuti vana vavo vaviri vese vari kuLondon saka nyangwe vaida zvavo kusaita zve cross border havaizombofa nenzara. Ndakanzwa kuti mwana wavo ari kuvakisa zimba rakakura chaizvo kuWaterfalls. Handiti iyo yavo imba ndivo vana vacho vakaiwedzeresa.

Zvemwana uyu zvava kutondishupa ini. Mazuva ano nemagetsi anongoenda pese pese tinototika tibike achiripo kudai, akaenda tisati tabika huni dzacho dzinozobvepi? Hakusi kareka kwataibika ne mastove eparaffin, unoyiwanepi paraffin mukore uno. Dai ndatoziva kuti achaswero mbeya achitsvaga shuga ndatomuti apfuure achibhadhara mvura. Ndakanzwa kuti kanzuru yakakwidza mvura mwedzi uno hameno kuti paunoperera mwedzi tinenge timire papi.

Dai ndatofanzisa muriwo uya usati wanyanya kusvava, nekuwanda kwawo tinoto fusha tikawana chekudyisa sadza. Iro nhasi sadza racho rinodyiwa nei? Ini regai hangu ndimwe isina shuga ndione kunoronga musika kuda nhasi ndingambonhongerwa nhongerwa.

Tags: , ,
Posted by manulite at 18:20:48 | Permanent Link | Comments (2) |